Gwaro rinoratidza zviga zvinobatsira kuongorora kuti makambani anotsikisa zvinyorwa zvenyu ndee chokwadi here.
Ungazive sei kuti journal rauri kuda kushanda naro patsvakurudzo yako rakakodzera here?

Urikuendesa chinyorwa chako ku journal rakavimbika here?
Journal rawasarudza ndiro here rinoenderana nechinyorwa chako?
- Pane zvinyorwa zvakawanda zviri kutsikiswa pasi rese.
- Vatsikisi vezvinyorwa vari kuparurwa vhiki rimwe nerimwe.
- Nyanzvi dzakawanda dzetsvakurudzo dziri kushungurudzika nekuda kwevanotsikisa zvinyorwa zvisina kuvimbika.
- Hazvisi nyore kuwana rubatsiro rwakakwana maererano nematanho anofanira kutevedzerwa pakutsikiswa kwezvinyorwa.

Shandisa matanho aya kuti uone kuti journal rawasarudza rakavimbika here?
Iwe kana vamwe vako mune ruzivo here pamusoro pejournal iri?
- Wakamboverenga here chimwe chezvinyorwa chemujournal?
- Zviri nyore here kuwana zvinyorwa zvamanjemanje zvakatsikiswa mujournal?
- Zita rejournal: zita racho rine musiyano; harina kufanana kana kuti haringapesaniswe zviri nyore nemamwe majournal.
- Unokwanisa here kuwana zviri maringe nejournal iri kubva mudura remaISSN?
Zviri nyore here kuziva kunowanikwa vatsitikisi vemajournal?
- Ko zita rekambani inotsikisa journal iri rinowanika pachena here pawebsite yavo?
- Unokwanisa here kubata vanotsikisa majournal kubudikidza ne runhare, chikero chetsamba yemumhepo uye neposvo?
Ko Journal rinobudisa here pachena matanho anotorwa pakudonongodza kana kupepeta zvinyorwa kusvika zvatsikiswa?
- Ko Website inotaura here zviga zvinotevedzerwa nevadonongodzi kana vapepeti vakazvimirira/vekunze, vangani vapepeti patsvakurudzo yega yega?
- Ko kambani inotsikisa zvinyorwa inopa here mukana wekuti chinyorwa chako chidonongodzwe nenyanzvi dzekupepeta zvinyorwa kana kuti nedzimwe nyanzvi dzine ruzivo rwunoenderana nechinyorwa chako?
- Journal harivimbise kuti tsvakurudzo yako ichabvumwa uye kuti wongororo yechinyorwa chako ichatora nguva pfupi.
Zvinyorwa zvakatsikiswa nejournal iri zvakarongwa here nenzira inoita kuti zvive nyore kuwana / uye pane dura here rakamirira kuchengetedza zvinyorwa izvi kuti zviwanike?
- Chinyorwa chako chichava nyore kuwanika here / dura rinochengeta chinyorwa chako riri nyore kuwana here?
- Kambani inotsikisa zvinyorwa inopa here mukana wekuti zvinyorwa zvichengetedzeke pachishandiswa michina yechizvinozvino?
- Kambani inotsikisa zvinyorwa iyi inoshandisa here nzira dzechizvizvizvino dzekuziva pamwe nekusiyananisa zvinyorwa, vanyori nevanotsikisa?
Mubhadharo unodiwa wakajekeswa pachena here?
- Website yejournal inotsanangura here kuti miripo iyi ndiyei uye unobhadhariswa padanho ripi?
- Pawebsite yekambani inotsikisa zvinyorwa pakatsanangurwa here kuti vanowana rutsigiro rwemari kubva kupi?
- Vanotaura here kuti mari dzinodiwa imarii uye dzinobhadharwa nemari yenyika ipi?
- Vanotsikisa zvinyorwa vanotsanangura here pawebiste pavo zviri maringe nekutendera kutsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo?
Pane tsanangudzo here kuvanyori pawebsite revatsikisi vezvinyorwa.
- Kambani yekutsikisa majournal iyi ine mutemo wakajeka here une chekuita nekuwanisa zvinyorwa zvainotsikisa pasina mubhadharo? Pane zvimwe here zvinotarisirwa kuvanyori? Mitemo iyi irikuwanikwa here panotsikiswa zvinyorwa?
- Vatsikisi vezvinyorwa vanotendera here kuti uve muridzi wezvinyorwa zvako zviri pamutemo? Unokwanisa here kupa vamwe zvinyorwa zvako semuenzaniso,nema institutional repository, uye mvumo yekuita izvi yakamira sei?
- Mutsikisi wezvinyorwa ane mutemo wakajeka here maererano nekugadzirisa makakava angavapo maringe nekupesana kwezvido zvevanyori nevadonongodzi?
- Unokwanisa here kutaura kuti chinyorwa chako chichatsikiswa chiri mumhando ipi? (semuyenzaniso HTML, XML, PDF).
- Journal rinopa here umbowo hwekuti riri kushandiswa zvakadii?
Kambani inotsikisa zvinyorwa inhengo yeboka rinozivikanwa here panhau dzekutsikisa zvinyorwa?
- Kambani yaunoda kutsikisa zvinyorwa zvako nayo inhengo ye Committee on Publication Ethics (COPE) here? Vanotevedzera here zvisungo/ zviga zveCOPE?
- Kana journal iri richitsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo, rinowanikwa here mu Directory of Open Access Journals (DOAJ)?
- Kana journal iri richitsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo, inhengo ye Open Access Scholarly Publishers’ Association (OASPA) here parizvino?
- Journal iri rinowanika here pamuunganidzwa wemajournals ari pasi peINASP Journals Online (rinova boka rema journal anotsikiswa kuBangladesh, Nepal, Sri Lanka, Central America neMongolia) kana pa African Journals Online (AJOL)?
- Kana journal iri richitsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo, rinowanikwa here muScielo rinova boka remajournals ekuLatin America?
- Kana journal iri richitsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo, rinowanikwa here muLatindex rinova boka remajournal ekuLatin America, Caribbean, Spain, nePortugal?
- Kana journal iri richitsikisa zvinyorwa pasina mubhadharo, rinowanikwa here muRedalyc rinova boka remajournal ekuLatin America, Caribbean, Spain nePortugal?
- Kambani yaunoda kutsikisa zvinyorwa zvako nayo inhengo yeboka revanoona nezvekutengeserana here?

Kana wakwanisa kuwana nguva yekutarisa zvese zvinodiwa kubva pane zvakatarwa.
Nyora zvese zvinodiwa kubva pane zvakanyorwa pamusoro uchipa mhinduro yekuti “hongu”, uye wobva watumira chinyorwa chako.
Thanks to the following volunteers for making this translation in October 2024:
Mr Blessing Chiparausha, Librarian at Bindura University of Science Education, Ms Magreth Madzivadondo, Deputy Librarian at Bindura University of Science Education, Mr Onias Topodzi, Faculty Librarian at Bindura University of Science Education and Mr Bvumai Musarurwa, Senior Librarian at the Parliament of Zimbabwe.
Gwaro rino rakanyorwa nemutauro weChishona rinogona
kugadziriswa. Gwaro rino rakaturikirwa kubva muChirungu nevanhu vakazvipira
kushanda pasina muripo, uye kuturikira kwavo kunogona kuchisiyana nemaonero
evamwe.